Accessibility links

Breaking News

Kimberly Process Yotarisirwa Kuzeya Nyaya dzeKodzero dzeVanhu Vari Mune Zviwanikwa


Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu

Kimberly Process Certification Scheme iri kutarisirwa kusangana muna Chikumi muguta reBrussels, kuBelgium, kuti izeye chikumbiro chemasangano akazvimirira oga anoti nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu vanogara munharaunda dzinenge dzawanikwa mangoda, dzakaita seMarange dzinofanira kukosheswa zvikuru.

Masangano aya anoti kana izvi zvisina kuitwa vanotenga mangoda kubva kunyika dzakabudirira vanofanira kuramba kuatenga sezvinoitwa mangoda anocherwa panodeuka ropa, kana kuti “blood diamonds”.

Izvi zvakabuda kumusangano weKimberley Process wakapera neSvondo kuFrance.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, avo vakange vari kuFrance kumusangano uyu, vanoti emasangano anorwira kodzero dzevanhu, vari kuda kuti kodzero dzevagari vemunharaunda idzi dzichengetedzwe.

VaMaguwu vanotiwo vari kuda kuti Kimberly Process ivandudze zvinoreva mangoda emhirizhonga, kana kuti conflict diamonds, kuitira kuti zvisanganisirewo mangoda ari kucherwa nehurumende dziri pamutemo, asi dziri kuponda vanhu vadzo nekuti kwekuti dzichere mangoda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG