Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodaidzwa Kudare reParamende Kuti Vatsanangure Nyaya yeKubiwa kweMangoda


VaThabo Mbeki naVaRobert Mugabe
VaThabo Mbeki naVaRobert Mugabe

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, vaive mumwe wevatevedzeri vavo Amai Joyce Mujuru uye vaive mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri vave kutarisirwa kumira pamberi pekomiti inoone nezvezvicherwa musi wa9 Chivabvu kuti vatsanangura kuti mari yemangoda inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu yakaenda kupi.

VaMugabe vachiri kutonga ndivo vega vakazivisa kuti mari iyi yainge yatsakatika nenyaya yehuwori.

Asi VaChihuri vanonzi vanogona kuuya mumwe musi sezvo vari kurapwa kunze kwenyika.

Parizvino VaChihuri ndivo vari kunakurirwa nyoka mhenyu nevakuru vemapurisa uye vaive gurukota rezvemukati menyika VaIgnatious Chombo avo vakati havana ruzivo kuti mari yaitengeswa pamugodhi wemandoda wainge wapihwa mapurisa achishanda nekambani yegye nyama yaifamba sei sezvo vasina kunge vasumwa nezvemugodhi wacho.

Mukuru we Centre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti zviri kuitwa zvekudaidza vakuru vehurumende nevaive muhurumende zvakakosha kuti vanhu vanzwisise zvakaitika.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG