Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Nzira Dzekuti Ibhadhare Zvikwereti Zvayo


VaTerrence Mukupe
VaTerrence Mukupe

Mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaTerrence Mukupe, vanoti Zimbabwe ichaparura masovereign bonds kana kuti kutsvaga mari yechikwereti ichishandisa fodya, goridhe nezvimwe zvirimwa kuitira kuti ikwanise kuunganidza mari yekubhadhara mitero pazvikwereti zvinosvika bhiriyoni imwe nezviuru mazana masere emadhora kana kuti US$1,8 billion kuWorld Bank neAfrican Development Bank.

VaMukupe, avo vari kuLondon murwendo rwekuyedza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi munyika, vati vanofunga kuti vakabhadhara chikwereti ichi vachapihwa imwe mari.

Vatiwo vane tarisiro yekuti vachawana mari iri pakati pemabhiriyoni maviri emadhora.

Doctor Prosper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti chinangwa cheZimbabwe ndechekuti ipihwe imwe mari.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paZimbabwe Ezekiel Guti University vati Zimbabwe haifanire kuzvisungirira pakubhadhara zvikwereti iyo ichitadza kugadzirisa hupfumi.

Asi gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vanoti vanofunga kuti vakabhadhara mari vanokwanisa kupihwa imwe mari yekuti vagadzirise nyaya dzehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vaimbotungamira sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, vanoti zvakakosha kuti nyika izive kuti mari yakakweretwa yakashandiswa chii.

Doctor Chitambara vanowedzerawo vachiti kana Zimbabwe yokwereta imwe mari, zvakakosha kuti itore matanho ekuona kuti mari iyi yashandiswa nemazvo.

Zimbabwe yave nechikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi nezviuru mazana masere emadhora munyika nekunze.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG