Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa naVaMangudya Vopeta Misangano kuIMF neWorld Bank muAmerica


Doctor John Mangudya

Misangano yepagore yepagore yeIMF neWorld Bank inokokwawo makurukota ezvehupfumi, magavhuna emabhanga makuru, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nevamwe kana kuti "maspring meetings" uri kupetwa muWashington DC nemusi weSvondo.

Zimbabwe yange yakamirirwa negurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa uye gavhuna webhanga guru renyika Doctor John Mangudya.

Vachitaura neStudio 7 vari kumusangano uyu, VaMangudya vakati vari kuda kutsvaga nzira dzekuti Zimbabwe ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo kunze zvinosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti US$1, 8 billion kunze kumabhanga akaita seWorld Bank neAfrica Development Bank.

Zimbabwe inoti ine chivimbo chekuti ikabhadhara chikwereti ichi inopihwa imwe mari.

Nyanzvi munyanzvi dzezvehupfumi Doctor Gift Mugano vanotungamira zvidzidzo paZimbabwe Ezekiel Guti University vanoti Zimbabwe haifanire kusimbisa kubhadhara chikwereti nechimbi chimbi nekuti zvichanetsa kuti kwereteswezve mari nevekunze sezvo zvakamboitika payakabhadhara mari yose yechikwereti kuIMF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG