WASHINGTON D.C. —
Nhengo dzebato reMDC-T rinotungamirwa naVaNelson Chamisa dziri kuda kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato musarudzo dzematare eparamende neSenate dziri kutarisirwa kuungana muHarare neChishanu kuti dzizeye zvadzinotarisirwa kuita kana dzakabudirira musarudzo.
Murongi wemabasa muMDC-T inotungamirirwa naVaChamisa, VaAmos Chibaya, vanoti musangano uyu uri kutanga mangwanani wozopera masikati.
VaChibaya vanoti musangano wavo uyu wakanangana nekudzidzisa nhengo dzavo kuti nyaya dzekukwikwidzana hakusi kurwisana, asi kuti kutsvaga vanhu vanokwanisa kutungamira vanhu.
Mapato mazhinji munyika akatotanga kare kuita gadziriro dzesarudzo. Bato reZanu-PF riri kuvhota musarudzo dzema primary nemusi weSvondo.
Facebook Forum