Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoita Sarudzo neSvondo Vamwe Vachigunun'una


Switzerland Davos Forum

Sarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzichaitwa, kana kuti primary elections, dziri kuitwa nemusi weSvondo kunyange hazvo paine kugunun’una kwevamwe kuti vakarambidzwa kutsvaga rutsigiro nezvikonzero zvakasiyana siyana.

Vari kukwikwidza musarudzo idzi vari kunzi vafambe vose pamwe chete vachitsvaga rutsigiro uye kuratidza kuti vanotsigirawo zvizere mutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Munyori wezvemutemo mubato reZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti sarudzo idzi dzinoitwa musi mumwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG