Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neEuropean Union Dzotarisirwa Kutanga Misangano yeKuumba Zvakare Hukama


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, (vari pakati)

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vari kutarisirwa nemusi weChina kutanga kuita misangano nevakuru-vakuru venyika dzekumawirira dziri musangano reEuropean Union.

Misangano iyi ichaitirwa kumuzinda wesangano iri uri muBrusssels, kuBelgium.

Rwendo rwaVaMoyo urwu rwuri kuuya mushure mekushanyira kwavo America neBritain, mukuyedza kwavo kuumbiridza hukama nenyika idzi mushure mekupedza makore akawanda ari makara asionane.

VaMoyo vari kuyedzawo kukwezva vekunze kuti vazotanga mabhizimisi munyika.

VeEU, avo vakakokwa kuzoongorora sarudzo, vanoti vanoda kuona Zimbabwe ichiita sarudzo dzakachena vasati vatanga kudyidzana nayo.

Gweta rinorwira kudzoro dzevanhu vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti mucherechedzo wekuti zvinhu zvashanduka munyika haufanirwe kuoonekwa chete mukutaura, asi kuti mamiriro ezvinhu mukati menyika ndiwo anofanirwa kuratidza kuti masamba asiyana.

VaMavhinga vanoti panofanirwa kuonekwa kuti hurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa yavepo iyi, iri kuremekedza mutemo, iri kuremekedza kodzero dzevanhu, uye kuita sarudzo dzakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG