Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voita Musangano weNational Executive Council yeBato Ravo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

National Executive Council yeMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa yakasangana muHarare nemusi weChitatu pamuzinda webato iri weMorgan Tsvangirai House kwemaawa manomwe ichizeya gadziriro yesarudzo.

Bato iri rakazeyawo mutongo wakabuda mudare repamusoro muBulawayo nemusi weChipiri wakati pari zvino hutungamiri hwebato iri hauna kujeka nekudaro vose, VaChamisa naMuzvare Thokozani Khupe, vanokwanisa kushandisa zita rekuti MDC-T uye mifananidzo yebato iri kudzamara nyaya iyi yagadziriswa.

Mutauriri waVaChamisa, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mutongo uyu unoratidza kuti vamwe vematare vave kuda kuita zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato iri rinoti rakatambira mashoko kubva kumatunhu ose achitaura nezvegadziriro yavari kuita pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa gore rino pakati paChikunguru naNyamavhuvhu.

MDC-T inoti MDC Alliance iri kutarisira kuti inenge iine vanhu mazana maviri negumi uye makanzura chiuru nemazana mapfumbabwe nemakumi mashanu nemasere nyika yose.

Bato iri rasimbisawo nyaya yekuti richaramba richiyedza kuumba mubatanidzwa nevamwe kuti vakwikwidze sarudzo vakabatana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG