WASHINGTON —
Dzimwe nhengo dzebato riri kutonga reZanu-PF dzakaratidzira pamuzinda webato iri muHarare nemusi weMuvhuro dzichiti hadzisi kufara nenyaya yekusarudzwa kwakaitwa vanhu vachakwikwidza musarudzo dzebato iri dzemaprimary.
Vamwe vanoti magwaro avo ekuda kukwikwidza kana kuti macurriculum vitae haana kusvika kuvakuru vebato.
Asi munyori anoona nezvemitemo mubato iri VaMunayaradzi Mangwana vanoti vane zvichemo vanofanira kuuya mubato.
Facebook Forum