Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopomerwa Mhosva Yekushandisa Zvisizvo Zvikopo Kopo zveHurumende muSarudzo Dzayo


Iranian firefighters disinfect streets in the capital Tehran in a bid to halt the wild spread of coronavirus.
Iranian firefighters disinfect streets in the capital Tehran in a bid to halt the wild spread of coronavirus.

Sangano reZimbabwe Peace Project kana kuti ZPP rashora zvikuru nyaya yekushandisa midziyo yehurumende yakaita sezvikopo kopo inonzi iri kuitwa neZanu-PF musarudzo dzayo dzemaprimary elections..

ZPP yati kana Zanu-PF yakabhadhara mari kuti ishandise zvikopo kopo izvi vanhu vanofanira kuziva chokwadi chakatora nzvimbo sezvo iri mari yavo yemutero. Zvikopo kopo izvi zvakashandiswa kuMberengwa neGokwe Centre kutakura magwaro ekuvhotesa.

Sarudzo dzemaprimary elections mubato reZanu-PF dziri kutarisirwa kuenderera mberi kune dzimwe nzvimbo sezvo kune vamwe vasati vavhota nezvikonzero zvakasiyana siyana. Sarudzo idzi dzaitarisirwa kupetwa nemusi weSvondo.

ZPP inoti sarudzo dzemaprimary elections dzeZanu-PF dzakaitwa pachida kuyedza kuunzwa jekerere zvinova zvinokudzwa asi sangano iri riri kugunun’una zvikuru nenyaya yemhirizhonga kunzvimbo dzakaita seMazowe uye nyaya yekutenga mavhoti nekupa vanhu doro iri kupomerwa vamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi.

Asi mutungamiri wenyika vari mutungamiri webato iri VaEmmerson Mnangagwa vanoti kunyangwe hazvo paine zviri kunetsa musarudzo ,vari kuyedza kuumba hwaro hwekuunza jekerere mubato ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG