Accessibility links

Breaking News

Imwe yeNdege Dzakatengwa kuMalaysia neHurumende Inosvika Munyika


Imwe yendege dzeZimbabwe Airways yakasvika munyika neChitatu.
Imwe yendege dzeZimbabwe Airways yakasvika munyika neChitatu.

Ndege imwechete pane ina dzakatengwa nehurumende kubva kuMalaysia, yerudzi rweBoeing 777, yakasvika munyika nemusi weChitatu, dzimwe nhatu dzichitarisirwa mumwedzi inotevera.

Ndege idzi dzagara dziine mutauro nekuti hurumende yange isiri kubuda pachena kuti ndiyani muridzi wadzo.

Pekutanga, ndege idzi dzakambonzi ndedzeZimbabwe Aviation Leasing Company, kana kuti ZALC, dzichishandisa zita rekuti Zimbabwe Airways. ZALC yainzi panguva iyi yaive kambani yemagweta navanamuzvinabhizimisi vasina kunge vadomwa nemazita.

Asi kumahofisi anochengeterwa mapepa emakambani, kuDeeds Office, kwainge kusina mazita evaridzi vekambani iyi. Vamwe vaiti ndege idzi ndedzemhuri yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Asi makurukota ehurumende, anoti gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, uye gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vakati indege dzehurumende.

Vamwe vakuru muhurumende vasina kuda kudomwa nemazita vanoti hurumende yaiedza kuhwanda nyaya dzezvirango uye zvikwereti, ndokusaka painge pasina kujeka kuti ndege idzi ndedzaani.

Zimbabwe ine chikwereti chemari inosvika US$330 million.

Ndege idzi dzakatengwa nemari inosvika mamiriyoni makumi manomwe uye Zimbabwe yabhadhara mari inosvika madhora mamiriyoni makumi mana nerimwe kusvika pari zvino.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinonetsa kumutsiridza Air Zimbabwe nekuda kwenhoroondo yakukundikana kwehutungamiri hwekambani iyi, uhwo hunotadza kutungamira zvakanaka.

"Vanoramba vachingotengesa ma tickets, asi ndege dzacho dzisipo, kana kuti ndege dzacho dzinononoka kusimuka, kana kusatosimuka zvachose."

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG