Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yokundikana Kupedza Sarudzo dzemaPrimary


Sarudzo dzemaprimary elections dzeZanu-PF dziri kutarisirwa kuenderera mberi nhasi mushure mekutadza kupera nezuro sezvange zvakatarisirwa. Nzvimbo dzakawanda dzakanonoka kuwana mapepa ekuvhotesa.

Sarudzo dzaitarisirwa kutanga na 7 mangwanni dzovharwa nenguva dza 5:50 manheru. Asi dzimwe nzvimbo dzinonzi dzakavhurwa nenguva dza 4:30 masikati uye dzimwe nzvimbo hadzina kana kutovhurwa.

Vachitaura nevatori venhau, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF Retired Lieutenant General Engelbert Rugeje vatiwo vanhu vari kutarisirwa kuvhota zvakare nhasi.

Vakati mamwe mapepa akanonoka kudhindwa. Vakatiwo mazita evamwe vanhu ainge asiri pabepa rekuvhotesa.

Mashoko aya atsinhirwawo nevanoona nezvemutemo mubato iri VaMunyaradzi Paul Mangwana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG