Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vokurudzira Kuvandudzwa kweMitemo yeSarudzo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T vachitungamirawo mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti mitemo yesarudzo munyika inofanira kuti igadziriswe nechimbi chimbi kuti pasazoita mutauro wakanyanya kana sarudzo dzapera.

Vachitaura neStudio 7, VaChamisa vati mapato ose ari kupinda musarudzo idzi anofanira kuziva kuri kudhindwa mapepa ekuvhota uye vanotiwo bato reZanu-PF rinofanira kumira tsika yekutyisidzira vanhu vari kumaruwa kuti vape vatungamiri vebato iri magwaro avo ekuvhota kana kuti maregistration slips.

Bato reZanu-PF rinoti rinoita izvi kuda kuona kuti nhengo dzaro dzakanyoresa kuvhota ingani.

VeZanu-PF vanotiwo zvekuti vanoda kubirira musarudzo ndezvemugotsi matsuro zvinotaurwa nevanotya kukundwa musarudzo. Asi VaChamisa vanoti zviri zvesarudzo vakagadzirira zvakasimba uye hapana chavanotya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG