Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vanoti mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T Muzvare Thokozani Khupe vakadzingwa zviri pamutemo mudare iri mushure mekunge bato ravo ranyora tsamba kuti vange vasisiri nhengo yebato.
VaMudenda vakataura mashoko aya mumapepa avo kudare repamusoro mushure mekunge vakwidzwa kudare iri naMuzvare Khupe vachiti vainge vatyora mutemo pakutambira chikumbiro chakabva kune chimwe chikwata chebato iri chiri kutungamirwa naVaNelson Chamisa chekuti vadzingwe mudare reparamende.
Vaviri ava vave makara asionane vachirwira chigaro chakasiiwa namuchakabvu Morgan Tsvangirai. VaChamisa vanoti vakasarudzwa neNational Executive Council yebato kuti vatungamire uku Muzvare Khupe vachiti ndivo vakasarudzwa pakongiresi yavachangobva mukuita.
Muzvare Khupe pavakadzingwa mudare vakabva vakwidza VaMudenda naVaChamisa kudare repamusoro vachishanda naMuzvinafundo Lovemore Madhuku wegweta ravo.
VaMudenda vanoti vari kuzodzwa mafuta enguruve yavasina kudya sezvo kunetsana kuri kuitika uku kuri mubato rezvematongerwo enyika uye dare reparamende rakambofamba nzira iyi richidzinga dzimwe nhengo dzeZanu-PF neMDC-T dzainge dzadzingwa mumapato adzo. Nyaya iyi iri kutarisira kuzeyiwa nedare musi wa30 Chivabvu.
Facebook Forum