Accessibility links

Breaking News

VaSaviour Kasukuwere Vodzoka muZimbabwe Kubva muHupoteri


VaSaviour Kasukuwere vari mundege kudzokera kuZimbabwe
VaSaviour Kasukuwere vari mundege kudzokera kuZimbabwe

Vaimbova gurukota rinoona nezvematunhu uye vachiona nezvegwara remusangano mubato reZanu-PF avo vainge vamboenda muhupoteri muna Mbudzi pakabviswa hurumende yavaive mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe nemauto vadzoka kumusha nhasi kubva kuSouth Africa.

VaKasukuwere vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vasvika muZimbabwe nhasi asi vakati tozovafonera sezvo vange vari mumusangano.

VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Vamwe vakuru muhofisi yemutungamiri wenyika vaudza Studio 7 kuti VaKasukuwere vange vave nemwedzi mishanu vachikumbira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vabvumidzwe kudzoka munyika.

Kudzoka kwaVaKasukuwere uku konogona kupawo kuti mamwe makurukota nenhengo dzebato iri dziri muhupoteri dzidzoke kumusha asi dzichitarisira kumiswa pamberi pematare.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vakwira ndege imwe chete naVaKasukuwere kubva kuSouth Africa VaDewa Mavhinga vanoti VaKasukuwere vambobvunzurudzwa nevasori kweawa imwe chete panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport.

Vamwe vechidiki veZanu-PF varatidzira panhandare iyi vachiti vanoda kuti VaKasukuwere vasungwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG