Vaimbova gurukota rezvemari VaTendai Biti vanova mutevedzeri wasachigaro mubato reMDC vari kutarisirwa mudare repamusoro nhasi vachikumbira kuti dare iri kuti rimbovapa gwaro ravo rekufambisa kuti vaende kunorapwa kuSouth Africa.
Zimbabwe yakabatana neChina nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekukurudzira kubviswa kwemitemo yekutongera vanhu rufu, kana kuti World Day Against the Death Penalty.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti zano ravo rekubhadhara mitero yezvikweti kana kuti maarrears ratambirwa nemabhanga eIMF neWorld Bank.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi vakaudza vatori venhau muHarare nezuro kuti hurumende ichatorera marezinesi makambani ose ari kuti anoda mari yekuAmerica kana achitengesa zvinhu
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakati hapana chakaipa pakuti vanhu vabvise masendi maviri padhora rega rega kana vachishandisa makadhi ekubhanga.
Dare repamusoro reHigh Court rakapa mutongo wekuti Muzvare Jestina Mukoko vapihwe mari inosvika zviuru zana nemakumi mashanu zvemadhora semuripo wekupambwa nekushungurudzwa kwavakaitwa vari muhusungwa.
Sangano remagweta anoongorora mashandiro edare reparamende reVeritas rinoti zvakaitwa naMuzvinafundo kuwedzera mitero hazvisi pamutemo sezvo mutemo wezvemitero uchikwanisa kuchinjwa nedare reparamende.
Hurumende kutanga nezuro yakaparura hurongwa hwekupa vanhu mushonga wenhomba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checholera kuvagari vemuHarare kuGlen View, Budiriro, Glen Noarah neMbare.
Mumwe muzvinabhizimisi wemuHarare VaArnold Mutsondi vaendesa gurukota rezvemari Muzvinafundo Muthuli Ncube kumatare vachiti mutemo wavo wavakadzika wekuwedzera mutero hausi pamutemo uye hautarisirwe munyika ine hutongo hwejekerere.
Mutongi wedare repamusoro reHigh Court VaNicholas Manthosi nezuro vakati vati gurukota rezvemukati menyika VaCain Mathema, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vabhadhare Ambuya Lillian Chinyerere mari inosvika zviuru gumi nezvitatu nemazana mashanu semuripo mushure mekunge varohwa nemapurisa.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mashoko egwara remafambisirwo emari kana kuti Monetary Policy rakaparurwa nagavhuna weRBZ uye gwara remafambiro ehupfumi rakaparurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube anotoomesera varombo kunyanya munyika kunyangw vaviri ava vari kuti vari kugadzirisa hupfumi hwenyika.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vasarudza VaNdabaningi Nick Mangwana kuti vave munyori mukuru webazi rezvekuburitswa kwemashoko chigaro chakasiiwa naVaGeorge Charamba avo vave kushanda semutevedzeri wemunyori mukuru wedare remakurukota.
Mutevedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Anna Mohammed, vakanoti pagore, mari yekurwisa chirwere ichi iri kushomeka nemari inosvika mabhiriyoni gumi nematatu.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakataura kekutanga pamusangano weUnited Nations General Assembly muNew York vachiti nyika yavo yakagadzirira kushanda nedzimwe nyika uye vachiti vanoda kuti zvirango zvakatemerwa ivo nevamwe vakuru vehurumende yavo zvibviswe.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi manheru vari kutarisirwa kutaura kekutanga kudare reUnited Nations General Assembly.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vari kutarisirwa kutaura kekutanga kudare reUnited Nations General Assembly, muNew York.
Migwagwa yose iri pedyo nemuzinda weUnited Nations yainge yakavharwa nezuro kwakazara mapurisa nevasori sezvo mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vainge vachitaura kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutanga nhasi kupinda mumisangano yakakosha zvikuru kuUnited Nations General Assembly uye mimwe iri kuitwa kumucheto kwemusangano uyu. Blessing Zulu anotipa nyaya inotevera.
Vachitaura pamusangano uyu, Va Mnangagwa varumbidza mabasa akaitwa naVaMandela mumazuva avo vachiti pasi rose harikanganwi zvakasiya zvaitwa naVaMandela panyika vachiri vapenyu.
Rodhai zvimwe