Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshora Matanho Ari Kutorwa naVaMangudya naVaNcube


Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mashoko egwara remafambisirwo emari kana kuti Monetary Policy rakaparurwa nagavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, pamwe negwara remafambiro ehupfumi rakaparurwawo negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, nemusi weMuvhuro, matanho anotoomesera varombo kunyanya munyika kunyangwe vaviri ava vari kuti vari kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Kuratidza kuti hapana kunyatsoti gedye pamaonero evaviri ava, Doctor Mangudya vakati hupfumi huchakwira nezvikamu zvishanu kubva muzana, ukuwo Muzvinafundo Ncube vachiti hupfumi huchakwira nezvikamu zvitanhatu nezviga zvitatu kubva muzana.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi vari nhengo yeMDC, VaTendai Biti, vanoti izvi zvinoratidza kuti hapana muonera pamwe pakati pevaviri ava, avo vanofanira kunge vachishanda vose.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vashorawo zvikuru nyaya yekuwedzerwa kwemitero yakaitwa naVaNcube.

VaNcube vakazivisa kuti munhu anenge ave kubhadhara masendi maviri padhora roga roga kwete masendi mashanu pamari chero inenge yashandiswa kubhadhara.

VaMangudya vakati panosvika musi wa15 mwedzi uno mabhanga anofanira kunge awana nzira yekupatsanura mari yemabond notes, nemaReal Time Gross Settlement kana kuti RTGS uye imwe yemadhora ekuAmerica.

Izvi VaBiti vanoti zvichapa kuti vanhu vane mari mumabhanga varasikirwe nemari dzavo.

Muzvinafundo Mugano vanoti zvaitwa izvi zviri kutokanda nyika mukanwa mamupere. Asi VaBiti vanoti vanhu vanokwanisa kuendesa Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kumatare edzimhosva kana vakarasikirwa nemari dzavo.

Muzvinafundo Mugano vanotiwo nyaya yekukwidza mari yemutero kana munhu achishandisa nharembozha kana kadhi reATM kuchaomesera vanhu vakawanda.

Chimwe chiri kunetsa vanhu inyaya yekukwira kwechikwereti chehurumende zvikuru munyika.

Muna 2012 apo hurumende yemubatanidzwa yainge yosvika kwamvura yacheka makumbo, chikwereti cheZimbabwe chainge chasvika pamamiriyoni mazana maviri nemakumi manomwe emadhora, asi ikozvino chasvika pamabhiriyoni mapfumbamwe nemazana mashanu emamiriyoni emadhora.

Mukuru wesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, Amai Janet Zhou, vanoti nyaya iyi inofanira kuongororwa zvizere kuti mari yacho yakakweretwa yakashanda chii.

Asi muzvinabhizimisi varizve mudzimai wechitema wekutanga kutungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Mara Hativagone, vanoti VaMangudya vakabaya dede nemukanwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG