Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vanotsigira Mutero Urikuwedzerwa naVaMthuli Ncube


VaEmmerson Mnangagwa naMuzvinafundo Mthuli Ncube
VaEmmerson Mnangagwa naMuzvinafundo Mthuli Ncube

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakati hapana chakaipa pakuti vanhu vabvise masendi maviri padhora rega rega kana vachishandisa makadhi ekubhanga.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nemadzimai ari mumabhizimisi ari pasi pesangano re Professional Women, Women in Business ne Business Women Forum muHarare.

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Muthuli Ncube rakaparura hurongwa hwekuwedzera mutero uyu. VaNcube vanoti mari yemutero iyi inobatwa pamari iri pasi pemadhora gumi.

VaMnangagagwa vakati vanoziva kuti zvinhu zvakaomera vanhu asi havana zvakanyanya zvokuita sezvo nyika yakatarisana nematambudziko uye chikwereti chakakura zvikuru munyika nekunze.

VaMnangagwa vavimbisa kuti vachagadzirisa zviri kunetsa munyika munyaya dzezvehupfumi asi vachiyambira kuti zvichamboremera vanhu vakawanda. Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC VaJacob Mafume vanoti hurumemende yaVaMnangagwa yaremerwa nezvinhu.

Mumashoko avo kuvatori venhau, vamafume vati Zanu-PF haikwanise kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekuti haina mazano acho. Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailer’s VaDenford Mutashu vanoti kusanyatsojeka kwegwara rekutora panyaya dzezvehupfumi ndiko kuri kupa kuti mitengo yezvinhu isagadzikane.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG