Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva Rekukuridzira Kubviswa Kwemitemo Yekutongera Vanhu Rufu


World Day Against Death Penalty
World Day Against Death Penalty

Zimbabwe yakabatana neChina nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekukurudzira kubviswa kwemitemo yekutongera vanhu rufu, kana kuti World Day Against the Death Penalty.

Zimbabwe yakagumisira kuuraya vanhu muna 2005 uye gore rino vose vainge vagara makore gumi vari mumajeri vakamirira kuurayiwa, vakaregererwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakanzi vagare mujeri kwehupenyu hwavo hwose.

Bumbiro remitemo yenyika ra2013 haritenderi kuti madzimai atongerwe rufu asi varume vari pamakore anotangira pamakumi maviri nerimwe kusvika pamakore makumi manomwe, ndivo chete vanotongerwa rufu.

Nemusi weChishanu vamwe varume vaviri, Admire Maorere naWindas Munzwe, vakatongerwa rufu mushure mekunge vaponda mumwe musoja, Captain Phio Jeketera, mumugwagwa weMasvingo neBeitbridge.

Mumwe wevakatongerwa rufu ava, Nyasha Sango, achiri kutsvagwa nemapurisa.

Vamwe vakatongerwa rufu muna 2011, Njabulo Ndlovu na Shadreck Noel Sibanda vari mumatare vachiyedzawo kuti mutongo uyu urerutswe kana kubviswa.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reInternational Commission of Jurists muAfrica, VaArnold Tsunga, vanoti kutongera vanhu rufu hazvina zvazvinobatsira uye hakudzikisi kuparwa kwemhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG