Accessibility links

Breaking News

Musangano weUNGA Unozeya Nzara Pamwe neHutano


Mutungamiri wenyika, VaEmmeron Mnangagwa vanyora neChishanu padandemutande ravo reTwitter vachiti musangano wavo wekutanga kuUnited Nations General Assembly muNew York wakafamba zvakanaka chose.

Asi zviri kubuda kuUnited Nations zviri kuratidza kuti zvinhu zvakaomera sangano iri, uye pane nyaya dzehutano nezvekudya Zimbabwe inofanira kusunga dzisimbe.

VaMnangagwa vanoti chinangwa chavo chaive chekuti Zimbabwe itange kudyidzana nedzimwe nyika uye kuti vatungamiri venyika idzi vashanyirewo Zimbabwe.

Kunze kwevatungamiri ava, VaMnangagwa vanoti vakasanganawo nevemabhizimisi kuti vauye kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe zvikuru vekuAmerica.

VaMnangagwa vanoti misangano yavo yakafamba zvakanaka uye Zimbabwe yadzokera mugungano renyika dzepasi rino.

Zimbabwe yakaonawo mupupuriri akanaka kubva kumutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, vanove sachigaro weAfrican Union.

Mumashoko avo kuUnited Nations, VaKagame vakati Zimbabwe inoda rubatsiro kubva kunyika dzepasi rino.

Asi vachitaura kumucheto wemusangano uyu, munyori anoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica, VaTibor Nagy, vakati Zimbabwe inofanira kuvandudza mitemo yakaita saana AIPPA nanaPOSA uye vakati Zimbabwe inoziva zvairi kuda kunzi iite kuti itange kudyidzana neAmerica.

KuUnited Nations kuri kubudawo nyaya yekuti zvinhu munyaya dzekurwisa chirwere cherurindi kana kuti TB haina kumira zvakanaka.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Anna Mohammed, vakanoti pagore, mari yekurwisa chirwere ichi iri kushomeka nemari inosvika mabhiriyoni gumi nematatu.

Zimbabwe pari zvino iri kutatarika kuwana mari yekutenga mapiritsi ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Rimwe dambudziko riri kubudawo kumusangano weUnited Nations inyaya yekuti vanhu vanosvika mamiriyoni mazana masere nemakumi maviri nemumwe kana kuti munhu mumwe chete pavapfumbamwe anoziya nenzara. Vakawanda vakatarisana nenzara kunyanya muAfrica neSouth America.

Nzara inonzi yatove nemakore matatu ichiwedzera. MuZimbabwe vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana vakatarisana nenzara gore rinouya nekuda kwemhepo yeEl Nino iri kutarisirwa kukanganisa kunaya kwemvura.

Musangano weUnited Nations uyu uri kupera musi wa 5 Gumiguru vatungamiri venyika vachitaura mudare reUnited Nations General Assembly uye vamwe vachiitawo misangano kumucheto wemusangano mukuru uyu.

Imwewo nyaya yakasimudzwa kumusangano uyu ndeyezvinotarisirwa neUnited Nations kuti zviitwe nevechidiki.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vanoti vanoda kuti sangano ravo risimbaradze kushanda nevechidiki avo vanosvika bhiriyoni imwe chete mazana masere emamiriyoni pasi rose.

Kuita izvi, VaGuterres vanoti kodzero dzevechidiki dzinofanira kuremekedzwa uye vachiwaniswa mikana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG