Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopihwa Mushonga Unodzivirira Korera muHarare


Hurumende yatanga neChitatu kuparura hurongwa hwekupa vanhu mushonga wenhomba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere chekorera kuvagari vemuHarare kuGlen View, Budiriro, Glen Noarah neMbare.

Mushonga uyu unotarisirwa kushanda kwemakore mashanu uye chirongwa ichi chiri kutarisirwa kupera nemusi weSvondo munzvimbo dzekutanga idzi.

Mushonga uyu wakawanikwa kuburikidza nemasangano anoti reWorld Health Organization neInternational Cholera Group.

Mukuru wezvekurwisa zvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira, vanoti vanhu vekune dzimwe nzvimbo havafanire havo kuenda kunzvimbo dzavari kupa vanhu mishonga ikozvino nekuti pane mimwe mishonga iri kuuya inokwanira vose vanoida.

Hurukuro naAmai Portia Manangazira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG