Mutongi wedare repamusoro reHigh Court VaNicholas Manthosi nezuro vakati vati gurukota rezvemukati menyika VaCain Mathema, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vabhadhare Ambuya Lillian Chinyerere mari inosvika zviuru gumi nezvitatu nemazana mashanu semuripo mushure mekunge varohwa nemapurisa.
Ambuya Chinyerere vakarohwa panze pedare ramejastiriti muHarare musi wa 26 Nyamavhuvhu 2016 nemapurisa anodzivirira mhirizhonga.
Nekuda kwekurohwa uku, Ambuya Chinyerere vanorarama nekusona vanoti vakabva vamira kuita basa ravo vorarama nekubatsirwa nevane tsiye nyoro. Vaimbova mutungamiri weMDC-T muchakabvu Morgan Tsvangirai vakatomboshanyira Abuya Chinyerere kumba kwavo kuChitungwiza makore maviri apfuura.
Mudare, VaMathem vachimiririrwa nemagweta kubva kuvachuchusi vehurumende kana kuti Civil Division of the Attorney General’s Office vange vachiramba mhosva iyi vachiti Ambuya Chinyerere vaingoda kusvibisa zita remapurisa.
Gweta raAmbuya Chinyerere rinoshandawo nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKudzayi Kadzere.
Facebook Forum