Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanorumbidza Muchakabvu Mandela kuMusangano weNelson Mandela Peace Summit


Nelson Mandela
Nelson Mandela

Mutungamiriri wenyika, Va Emerson Mnangagwa, vapinda neMuvhuro mumusangano we Nelson Mandela Peace Summit uyo waitirwa mu New York kumucheto kwemisangano yeUnited Nations Annual General Assembly, UNGA, iri kuitwa muguta iri svondo rino.

Vachitaura pamusangano uyu, Va Mnangagwa varumbidza mabasa akaitwa naVaMandela mumazuva avo vachiti pasi rose harikanganwi zvakasiya zvaitwa naVaMandela panyika vachiri vapenyu.

Va Mnangagwa vati vanhu havafaniri kungotaura mabasa aVaMandela vasingazadzisi nekuita zvido zvavo. VaMnangagwa vati VaMandela, avo vakava mutungamiri weSouth Africa wechitema wekutanga, munhu akagara mujeri kwemakore akawanda achirwira rusununguko rwemunhu wese wemuSouth Africa.

Vamwe vanga vari pamusangano uyu vanosanganisira mutungamiri weSouth Africa, Va Cyrl Rhamaphosa, shirikadzi yaVaMandela, Amai Graca Machel.

VaMnangagwa vakasanaganawo nemusi weSvondo nezvizvarwa zve Zimbabwe zvinogara mu America ne kuCanada umo vakataura nezvehurongwa hwehurumende yavo uye kukumbira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vadzoke kumusha kuzobatsira mukusimudzira nyika vazoisawo ruoko mubudiriro nematongerwo enyika ye Zimbabwe.

VaMnangagwa vari kutarisirwawo kutaura pamberi pemusangano mukuru uchaitwa nemusi weChitatu.

Uyu musangano wekutanga waVaMnangagwa vachitaura semutungamiri wenyika.

Kwemakore anodarika makumi matatu nemanomwe, vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vaitaura pamusangano wepagore weUNGA.

Nguva zhinji VaMugabe vaitora mukana uyu kunyomba America neBritain nemadzisahwira adzo vachiti nyika idzi dzaipindira mumatongerwo enyika muZimbabwe dziine chinangwa chekuvabvisa pachigaro.

Asi VaMugabe vakazobviswa pachigaro nemauto avo, achitungamirwa nemunhu wavakagadza pachigaro chemukuro wemauto ose, VaConstantino Chiwenga, avo vakazoitwa mumwe wevatevedzeri vaVaMnangagwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG