Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakataura kekutanga pamusangano weUnited Nations General Assembly muNew York vachiti nyika yavo yakagadzirira kushanda nedzimwe nyika uye vachiti vanoda kuti zvirango zvakatemerwa ivo nevamwe vakuru vehurumende yavo zvibviswe.
VaMnangagwa nevamwe vakuru muhurumende yavo vakatemerwa zvirango neAmerica nenyika dziri musangano reEU vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.
Vakatiwo Zimbabwe yakaita sarudzo dzakachena ikakoka vaongorori vesarudzo kubva kune dzimwe nyika.
Asi vakatiwo vari kushushikana zvikuru nenyaya yekupfurwa kwakaitwa vanhu vairatidzira muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu, vakati vainge vaumba komiti yekuongorora nyaya iyi.
Panyaya yeminda, VaMnangagwa vakati hapana kudzokera kumashure panyaya iyi uye vatema vacharamba vaine ivhu ravo. Vakatiwo chido chehurumende yavo kuona kuti hupfumi hweZimbabwe hwasimudzirwa.
VaMnangagwa vakatiwo United Nations inofanira kuvandudzwa kuti nyika dzemuAfrica dzigare padare kwete kuvhiyiswa mbudzi. Mutungamiri wenyika akatiwo anoda kuti nyika dzakaita sePalestine neWestern Saharawi dziwane kuzvitonga kuzere.
Vakatiwo mabhanga akaita seIMF neWorld Bank uye sangano reWorld Trade Organization anofanira kuvandudzwa kuitira kuti Africa nenyika dziri kubudirira vaonewo chouviri.
VaMnangagwa vakatiwo nyika yavo yakagadzirira kuti idyidzane nedzimwe nyika pasi rose pasi pedingindira ravo rekuti mikana yavhurwa muZimbabwe kana kuti “Zimbabwe is Open for Business.”
Vakavimbisawo kuti vacharwisa huwori.
VaMnangagwa vakatiwo hurumende yavo yakazadza matura kuzadzikisa chimwe chiga cheUnited Nations chekuti vanhu vawane zvekudya.
Mutungamiri wenyika, uyo ari kufamba nechikwata chinosanganisira gurukota ravo rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, uye gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya, vari kutarisirwa kusimuka nemusi weChina muAmerica vakananga kumusha.
Facebook Forum