Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vachayedza napose pavanogona kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvivhote musarudzo dzinotevera.
Vanhu vakawanda munyika vachitungamirwa nevemakereke uye vemabhizimisi vokurudzira nhaurirano munyika.
Inflation munyika yakwira yakwira zvaisati yamboita mumakore manomwe apfuura zviri kuyambirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi kuti zviri kuratidza kuti hupfumi hwenyika hwananga kumawere.
Nyaya yechirwere checholera yave kuunza mutauro wakanyanya munyika pachikandiranwa nyoka mhenyu pakati peZanu-PF neMDC Alliance.
Guta reKwekwe rakaita zvisati zvamboitwa munhoroondo yaro kubva nyika zvayakawana kuzvitonga kuzere nekuvhotera mudzimai kuti aite meya weguta.
Masangano maviri emuAmerica anoti reInternational Republican Institute nereNational Democratic Institute ayo akaongorora sarudzo dzemuZimbabwe aburitsa mashoko kuvatori venhau achiti Zimbabwe haisati yagadzira hwaro hwekuti munyika muitwe sarudzo dzakachena
Kanzuru yeMasvingo neChipiri yakazotanga kupa vagari vose vemuguta iri mvura mushure mekunge yamboendeswa kumatare nevagari vange vachityira kuti vanozoguma vatapurirwa zvirwere zvakaita setyphoid necholera zviri kuuraya vanhu vakawanda munyika.
Vanhu vakawanda munyika vanoti vari kuda kuti hurumende ikurumidze kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi uho hwaenda kumawere.
Politiburo yebato reZanu-PF yakagara muHarare nemusi weMuvhuro kuti idome vachakwikwidza musarudzo vakamirira bato iri musarudzo dzeSenate neHouse of Assembly kana kuti maspeaker.
Vakadomwa svondo rapera nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa semakurukota ehurumende yavo itsva vanotarisirwa kutoreswa mhiko nemutungamiri wenyika neMuvhuro kuState House muHarare.
Zimbabwe yaita mangange nhasi nemusi weSvondo neCongo Brazaville mumutambo wemakundano eAfrica Nations Cup. Mutambo uyu watambirwa kuLibreville, guta guru renyika iyi
Bato reZanu-PF rinoti rakazvipira kuendesa mamwe masimba kumatunhu sezvinodiwa nebumbiro remutemo wenyik
Murairidzi wemaWarriors Sunday Chidzambwa nezuro akaadoma chikwata chichaenda kunotamba neCongo Brazzavile nemusi weSvondo mumakwikwi eGroup G mumukombe weAfrica Nations Cup
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights raendesa mabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar General VaTobaiwa Mudede kudare repamusoro reHigh Court kuti vabvise mutori wenhau Muzvare Violet Gonda pavanhu vanonzi nehurumende havafanire kupihwa magwaro ekufambisa kana kuti mapassport.
Kambani yekuSwitzerland yeNestle Nespresso inoti iri kutarisira kutenga coffee kubva kuvarimi vadiki muZimbabwe vari kurima mumwaka uno kuti ibatsire varimi ava kuti vawanewo chouviri.
Vaimbova mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe nezuro vakazivisa kuti vave kugamuchira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika uye vanoti ndivo vakakunda musarudzo dzapfuura.
Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries kana kuti CZI nezuro rakaita musangano nevakuru vemakambani akasiyana siyana kusanganisa anogadzira simendi kuti vazeye nyaya yekushomeka uye kudhura kwezvinhu munyika.
Vaimbova gurukota rezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica yaitungamirwa naVaBarack Obama kana kuti U.S Assistant Secretary of State for African Affairs VaJohnnie Carson vari muZimbabwe pamwe nechikwata chemasangano maviri emuAmerica anoti International Republican Institute neNational Democratic Party.
Nhengo yedare reparamende yeMDC Alliance VaHappymore Chidziva avo vakasungwa nemusi weMuvhuro vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso yemadhora zana.
Munyori mukuru wedare reparamende VaKennedy Chokuda vanoti nhengo dzedare reparamende dzakasarudzwa musarudzo dziri kuzotoreswa mhiko mangwana.
Rodhai zvimwe