Vaimbova mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe nezuro vakazivisa kuti vave kugamuchira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika sezvo vakakunda musarudzo dzapfuura.
VaMugabe vakataura mashoko aya kumba kwavo kuBlue Roof, kuBorrowdale muHarare parufu rwaAmai Idah Marufu, vanova Amai VaAmai Grace Mugabe.
VaMugabe vakati vaidawo kuti VaSydney Sekerami vatungamire nyika kubva muna 2017 nekuti vainge vaenda kuhondo pamberi paVaMnangagwa.
Vanoti chaisave chido chavo kuti Amai Grace Mugabe vaite mutungamiri wenyika. Asi kunyangwe VaMugabe vachiti pari kudihwa nhaurirano nevakavabvisa pachigaro vanoti vari kugamuchira VaMnangagwa.
Vachitaurawo parufu apa, Amai Grace Mugabe vakati VaMnangagwa vainge vavahayira ndege itsva kubva kwavairapwa kuSingapore kuti vauye kuzochema Amai vavo sezvo vainge vachirapwa kuSingapore.
Vachitenda VaMnangagwa, Amai Mugabe vakati vave kunamatira VaMnangagwa avo vakati chipo kubva kuna Mwari.
VaMugabe vakati munyika munofanira kuitwa sarudzo dzakachena uye mauto haafanire kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.
Hurumende ndiyo iri kubhadhara mari yose iri kushandiswa parufu apa. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Chipo Dendere vanodzidzisa paAmherst College muAmerica vanoti mashoko emhuri yaVaMugabe anongoburitsa pachena hukama hwenhengo dzeZanu-PF wekumborwisana asi dzozobatana zvekare.
Facebook Forum