Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance neZanu-PF Vonakurirana Nyoka Mhenyu paNyaya yeKorera


Gurukota rezvehutano Dr Obadiah Moyo vari ku Beatrice Infectious Diseases Hospital.

Hurumende inoti kusvika parizvino chirwere checholera chauraya vanhu makumi maviri nevashanu uye kutapurirwa kuvanhu vanodarika zviuru zvitatu.

Nzvimbo dzine chirwere ichi chiri kunzvimbo dzinosanganisa Harare, Manicaland, Midlands, Mashonaland East neMashonaland Central.

Nyaya yechirwere checholera yave kuunza mutauro wakanyanya munyika pachinakuriranwa nyoka mhenyu pakati peZanu-PF neMDC.

VeZanu-PF vanoti zviri kuitika zviri kuratidza pachena kuti MDC ine makanzura akawanda mumaguta uye yatadza kubata basa nenyaya yehuori.

Asi veMDC Alliance vanoti makurukota eZanu-PF anoikanganisa kuita basa uye hurumende haisi kubhadhara mitero kumakanzuru zvopa kuti ashaya kana kobiri rekuita basa.

Kanzura weMt Pleasant uye vari mutauriri weMDC Alliance VaJacob Mafume vanoti haisi nguva yekupumhana huroyi asi kunyangwe zvakadaro makurukota eZanu-PF ndiwo anovhiringidza basa mumakaunzuru.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu-PF VaGadzira Chirumanzu vanoti makanzura eMDC akundikana basa zvopa kuti zvirwere zvipararire munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG