Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaChamisa Vokurudzirwa Kuita Nhaurirano


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vemakereke vari pasi pesangano reZimbabwe Council of Churches, veEvangelical Fellowship of Zimbabwe uye veZimbabwe Amalgamated Churches Council, vamwe vakarwa hondo yerusununguko nevamwe vakuru vemabhizimisi vari kukurudzira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kuti vaite nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya yamisa zvinhu inyaya yekuti ndiyani anotanga kukoka mumwe kunhaurirano sezvo paine kuyedzana masimba kwakanyanya.

Vaviri ava vanoti vakagadzirira kuita nhaurirano kunyangwe pasina chabuda.

Hurumende dzakaita sedzeAmerica neBritain dziri kukurudzirawo vezvematongerwo enyika kuti vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru kugadzirisa zviri kunetsa.

Nemusi wechipiri vanopikisa vakabuda mudare reparamende vachiratidzira apo VaMnangagwa vaitaura kumhuri yeZimbabwe nekuvhura dare iri zviri pamutemo.

Sangano reZimbabwe Election Support Network rinoti zvakakosha kuti mapato aya agadzirise nyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo kuti pasarambe pachiita mutauro kana sarudzo dzapera zvinosanganisa kuvandudza sangano reZimbabwe Electoral Commission kuti rive rakazvimirira.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Dr Kenneth Mtata, vanoti nhaurirano dzakakosha zvikuru kupedza matambudziko akatarisana nenyika pari zvino.

Hurukuro naRedverend Doctor Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG