Accessibility links

Breaking News

Nestle Yotenga Coffee Kubva kuVarimi vemuZimbabwe Ichatengeswa Pasi Rose


Kambani yekuSwitzerland yeNestle Nespresso inoti iri kutarisira kutenga coffee kubva kuvarimi vadiki vemuZimbabwe kutanga mwaka uno.

Kambani iyi inoti inoda kuti varimi ava vawanewo chouviri. Mumashoko kuvatori venhau, kambani iyi yati ichatenga zvikamu makumi mapfumbamwe nemashanu kubva muzana kuvarimi vemuZimbabwe vari kurima coffee yemhando yepamusoro soro uye ichatengeswa kunyika dzose dzepasirino.

Nespresso yati iri kushanda nevarimi ava mumwaka uno kuti vawedzere goho ravo. Coffee inorimwa muZimbabwe yakaderera zvakanyanya mumakore gumi nemasere apfuura nenyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Nepressoo inoti iri kushanda nevarimi mazana mana kwemakore mashanu anotevera kuti vakwanise kurima coffee yemhando yepamusoro soro uye kuitawo goho rakawanda.

Zimbabwe muna 1990 yakarima coffee yaidarika zviuru gumi nemashanu asi yange yaderera kusvika pamatani mazana mashanu.

Varimi vachena vakatorerwa minda ndivo vairima coffee yakawanda asi pakapihwa vatema , vakawanda vacho vasina kupihwa zvikwanisiro zvekurimisa, goho rakabva raderera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG