Accessibility links

Breaking News

CZI Inoti Vanhu Vasanyanyakuvhunduka paNyaya yeMitengo


Lafarge Cement Zimbabwe
Lafarge Cement Zimbabwe

Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries kana kuti CZI nezuro rakaita musangano nevakuru vemakambani akasiyana siyana kusanganisa anogadzira simendi kuti vazeye nyaya yekushomeka uye kudhura kwezvinhu munyika.

Mutungamiri weCZI VaSifelani Jabangwe vanoti vemakambani vari kuyedza kugadzirisa zviri kunetsa vachishanda neReserve Bank of Zimbabwe kuti vawane mari yekutenga zvinhu.

Zviri kunetsa zvinosanganisa mafuta ekufambisa dzimotokari, simende nezvimwe zvekudya kusanganisa chingwa chinonzi chinogonawo kutanga kunetsa zvakanyanya sezvoo gorosi mumatura rave shoma.

Asi sachigaro weGrain Millers Association VaTafadzwa Musarara vaudza Studio 7 kuti vachazotaura nezvenyaya yekushomeka kwegorosi rekugadzira chingwa svondo rinouya neMuvhuro apo vachaita musangano nevatori venhau.

Vanhu vakawanda vataura neStudio 7 vari kuchema chema nekukwira kwemitengo yezvinhu uye munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vakatotiwo vashandi vanofanira kuwedzerwa mari nezvikamu makumi mashanu kubva muzana kuti vakwanise kurarama.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira hurumende kuti ikaramba ichishandisa mari zvisizvo uye kuwanza zvikwereti zvichanetsa kugadzirisa nyaya dezvehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG