Accessibility links

Breaking News

VaChidziva neVamwe veMDC Alliance Vobvisiswa Mari yeChibatiso


VaLovemore Chinoputsa naVaHappymore Chidziva
VaLovemore Chinoputsa naVaHappymore Chidziva

Vakasarudzwa kumirira Highfield West mudare reparamende vakamirira MDC Alliance, VaHappymore Chidziva avo vakasungwa nemusi weMuvhuro vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso yemadhora zana.

Izvi zvave kureva kuti VaChidziva vave kukwanisa kutora mhiko nhasi nedzimwe nhengo dzedare reparamende nedzesenate.

VaChidziva vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga muna Chikunguru pasi pemutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Act.

Vanonzi vakapara mhosva iyi kuGweru uko vakazoendeswa nemusi weMuvhuro kuti vanotongwa. Magistrate Charity Maphosa vakati VaChidziva vabvise mari yechibatiso asi vazopote vachienda kumapurisa ekwaMachipisa kamwechete pamavhiki maviri.

Dzimwe nhengo dzeMDC Alliance dzakasungwawo nemusi weMuvhuro, VaChamunorwa Madya vanove mutevedzeri wemunyori mukuru wevechidiki kana kuti Youth Assembly uye vamwe vanochengetedza muzinda webato iri weRichard Morgan Tsvangirai House muHarare, VaMafaiti Mubaiwa vakanziwo nedare ramejastiriti muHarare vabvise mari yechibatiso inosvika madhora makumi mashanu pamunhu.

Vaviri ava vari kunzi vane chekuita nekuratidzira kwakaitika muHarare mukutanga kwaNyamavhuvhu apo vanhu vatanhatu vakazoguma vapfuurwa nemauto.

Asi VaChidziva nevamwe vavo vaviri vari kumiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG