Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti Yakazvipira Kuumba Hurumende dzeMatunhu


Bato reZanu-PF rinoti rakazvipira kuendesa mamwe masimba kumatunhu sezvinodiwa nebumbiro remutemo wenyika.

Kunyangwe hazvo muna 2013 bumbiro remutemo rakati paumbwe makanzuru mumatunhu kana kuti Provincials Council, bato reZanu-PF rakatsika madziro richiramba ndokubva vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vadoma makurukota ematunhu. Zvimwe chetezvo zvakaitwawo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pakudoma makurukota aya.

Pasi pebumbiro remutemo panenge paine makanzura makumi mana nemasere sezvo munzvimbo dzakaita seHarare neBulawayo munenge musina makanzuru akadai nekuti madhorobha.

Kudomwa kwemakurukota ematunhu kwapa vamwe kuti vati vamnangagwa havana kuzvipira kuzadzikisa bumbiro remutemo.

Asi munyori anoona nezvemutemo muZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti vakazvipira kuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta, vari nhengo yeMDC Alliance uye kanzura muHarare VaJacob Mafume vanoti Zanu-PF haisi kuratidza kuzvipira uye zvairi kuita zvekusarudza makurukota ematunhu zvinoda mari yakawandisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG