Accessibility links

Breaking News

VaHappymore "Cde Bvondo" Chidziva Vosungwa Vamwe Vachitoreswa Mhiko neChitatu


VaHappymore Chidziva
VaHappymore Chidziva

Munyori mukuru wedare reparamende VaKennedy Chokuda vanoti nhengo dzedare reparamende dzakasarudzwa musarudzo dziri kuzotoreswa mhiko mangwana.

Nhengo idzi dzikange dzatoreswa mhiko zvinenge zvoreva kuti mutungamiti wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanenge vokwanisa kusarudza dare ravo remakurukota.

Asi dzimwe nhengo dzeMDC Alliance dzinenge dzichatadza kutora mhiko nekuti dziri kusungwa kana kuda kusungwa nemapurisa dzichipomerwa mhosva dzakasiyana siyana.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti mapurisa nezuro akaenderera mberi nekusunga vakuru uye nhengo dzesangano reMDC Alliance dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Mapurisa akasunga VaHappymore Chidziva vakasarudzwa kumiririra Highfield West mudare reparamende uye vari mutungamiri weYouth Assembly yebato iri.

Vamwe vakasungwa vanosanganisa VaChamunorwa Madya vanova mutevedzeri wemunyori mukuru weMDC Youth Assembly uye VaMafaiti Mubaiwa vanoona nezvekuchengetedzwa kwemuzinda webato iri weRichard Morgan Tsvangirai House.

Mapurisa anoti akavasunga vatatu ava pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

Vakasungwa ava vari kutarisira kumiswa pamberi pematare nhasi. Vanonzi vaitaura mashoko ekupesvedzera mhirizhonga munyika. VaMubayiwa naVaMadya vari kupinda mudare muHarare nhasi. Vari kunzi vakaratidzira muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu apo mauto akazopfura vanhu vatanhatu.

Asi VaChidziva avo vakaendeswa kuGweru nezuro kwavanonzi vakataura mashoko ekukukurudzira mhirizhonga muna Chikunguru pakutsvaga rutsigiro. Asi VaChidziva vari kuti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vanoti magweta avo ane nhengo dzakawanda dzeMDC Alliance dzavari kumiririra.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG