Accessibility links

Breaking News

VaCarson vekuAmerica Vokurudzira Kuvandudzwa kweMitemo yeSarudzo


. Assistant Secretary of State Johnnie Carson
. Assistant Secretary of State Johnnie Carson

Vaimbova gurukota rezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica yaitungamirwa naVaBarack Obama kana kuti U.S Assistant Secretary of State for African Affairs VaJohnnie Carson vari muZimbabwe pamwe nechikwata chemasangano maviri emuAmerica anoti International Republican Institute neNational Democratic Party.

Masangano aya akabatana muZimbabwe kuti vaongorore sarudzo dzemuna chikunguru muZimbabwe. Ikozvino VaCarson nevamwe vavo vari munyika kuti vapete ongororo yavo yesarudzo idzi uye vari kutarisirwa kuzoburitsa gwaro rezvavakaona nezvavanofunga kuti zvinoda kuitwa.

Nezuro vakaita musangano nemutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda uye vachasanganawo nevamwe vanopikisa nemasangano akazvimirira.

VaMudenda vakaudza chikwata ichi kuti mapato anopikisa haana kuunza kudare reparamende zvavaida kuti zviitwe kuvandudza mitemo yesarudzo. Izvi zvinopesana zvachose nezviri kutaurwa nevanopikisa nemasangano akazvimirira oga avo vanoti vagara vachitaura kuti mitemo yesarudzo inoda kivandudzwa.

VaMudenda vachitaura neHerald vanotivo havasi kufara kuti America yakaramba kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende vari kupomerwa mhosva yekutonga nedemo. Kunyangwe hazvo vanopikisa vari kuti vari kusungwa, uye mauto akapfuura vanhu vatanhatu mwezdi wapera, vamudenda vanoti hurumende yavamnangagwa iri kuremekedza kodzero dzevanhu.

Masangano eIRI neNDI akaburitsa gwaro ravo rekutanga vachikurudzira kuti Zimbabwe idzike mitemo inonza hutongo hwejekerere kana ichida kubudirira. Ikozvino vari kukurudzira kubatana nekuvandudza mitemo yesarudzo.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti mitemo yesarudzo inofanira kuvandudzwa kuti munyika musarambe muchiita mutauro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG