Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu Yoita Chamurambamhuru Ichikwira


VaEmmerson Mnangagwa naVaMthuli Ncube
VaEmmerson Mnangagwa naVaMthuli Ncube

Inflation munyika yakwira yakwira zvaisati yamboita mumakore manomwe apfuura zviri kuyambirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi kuti zviri kuratidza kuti hupfumi hwenyika hwananga kumawere.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstat inoti mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wasvika pazvikamu zvina nezviga zvisere kubva muzana kana kuti 4. 8 %. Inflation yakapedzisira kukwira zvakadai muna Zvita 2011.

Mitengo wekutenga dhora rekuAmerica unonzi wapetwa kaviri kana munhu aine mari mubhanga, Ecocash kana kuti TelOne. Munhu anenge achida zana remadhora anopihwa mari inosvika mazana maviri paRTGS kana kuti transfere.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Reserch Institute of Zimbabwe Doctor Godfrey Kanyenze vanoti mashoko egurukota rezvehupfumi Muzvinafundo Muthuli Ncube ekuti vanoda kudzora dhora remunyika anogona kunge akakonzera kusagadzikana.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaCallisto Jokonya vanoti vemabhizimisi vange vambosunga mari sezvo nyika ichangobuda musarudzo uye vachida kuona kuti nyika ichatora gwara ripi munyaya dzezvehupfumi.

VaJokonya vatenda kuti kunetsa nekudhura kuri kuita dhora rekuAmerica pamusika ndizvo zviri kupa kuti zvinhu zvidhure.

Dr Kanyenze vati zvinhu zvichanetsa kuti hurumende igadzirise matambudziko akatarisana nenyika uye zvichatora nguva. Asi vati panoda kuita mushandirapamwe.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi Doctor Simba Makoni vanoti zvinoda kugadziriswa zvinozivikanwa asi chikuru hurumende inofanira kumira kuramba ichikwereta mari.

Kunyangwe hazvo zvinhu zviri kuratidza kusamira zvakanaka, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaudza dare reparamende mumashoko avo kuvanhu veZimbabwe kuti vawana mari inosvika mamiriyoni zviuru mazana mashanu kuburikidza neReserve Bank of Zimbabwe.

Mumiriri weBritain muZimbabwe uye ave kuenda kunoshandira kuNigeria Ambassador Catriona Laing vazivisawo nhasi kuti Britain ichabatsira Zimbabwe kubhadhara mitero pazvikwereti zvayo kana kuti maarrears ayo ave kusvika pabhiriyoni rimwe chete nezviuru mazana masere. VaJokokonya vati mashoko eBritain aya anofadza.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rakakomba rekushaya mari yekunze zvapa kuti vakawanda vatyire kuti nyika yananga kumakore ekuma2008 uko zvinhu zvainge zvokwira kana katatu pazuva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG