Accessibility links

Breaking News

Muzvare Violet Gonda Voendesa VaMudede naVaObert Mpofu kuMatare


Muzvare Violet Gonda

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights raendesa mabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar General VaTobaiwa Mudede kudare repamusoro reHigh Court kuti vabvise mutori wenhau Muzvare Violet Gonda pavanhu vanonzi nehurumende havafanire kupihwa magwaro ekufambisa kana kuti mapassport.

Magweta aya aendesa kumatare VaMudede uye vange vari gurukota rezvemukati menyika VaObert Mpofu kuti vape Muzvare Gonda gwaro iri.

Gweta raMuzvare Gonda, VaDenford Halimani veZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti Muzvare Gonda vaida kuyedza kutora gwaro rekufambisa idzva sezvo ravange vainaro rainge razvika mazuva ekupera vari kuBritain.

VaHalimani vanoti Muzvare Gonda vakaudzwa kuti zita ravo rainge riri pakati pevanhu vainge vasingafanire kupihwa magwaro zvachose nekudaro rainge rakanyorwa kuti “Stop List.”

Muzvare Gonda vainge vabhadhara mazana maviri nemakumi mashanu nematatu kuti vapihwe gwaro ravo rekufambisa mukati memazuva matatu.

VaHalimani vanoti Muzvare Gonda havana mhosva yavakapara nekudaro kuvanyima gwaro rekufambisa sezvo uku kuri kutyora bumbiro remutemo.

Muzvare Gonda vanodawo kuti vamMudede vabvise mazita evanhu vose vavanoti havafanire kupihwa magwaro ekufambisa. Dare harisati ratonga kuti nyaya iyi inonzwikwa rini.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG