Politiburo yebato reZanu-PF yakagara muHarare nemusi weMuvhuro kuti idome vachakwikwidza musarudzo dzekuva vatauriri vanenge vakamirira bato iri musarudzo dzeSenate neHouse of Assembly kana kuti maspeaker.
Parizvino, mutauriri wedare reHouse of Assembly ndiVaJacob Mudenda uye mutungamiri weSenate ndiAmai Edna Madzongwe.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vari kutarisira kuti VaMudenda vachadzoswa pachigaro chekuva mutauriri weHouse of Assembly. Asi Amai Edna Madzongwe vanenge vari kutorerwa chigaro ichi naAmai Mabel Chinomona.
Vamwe vange vachitarisirwa kuti vangangopinde musarudzo idzi ndiVaPatrick Chinamasa.
Vamwe vari kusarudzwa nhasi vakokeri vedare reparamende kumapato ose kana kuti machief whip. Bato reMDC Alliance nezuro raita musangano weStanding Committee kuti rizeye nyaya iyi.
Hatina kukwanisa kubata munyori mukuru webato iri VaDouglas Mwonzora sezvo vange vari mumusangano.
Vari kukokera bato iri muHouse of Assembly pari zvino VaInnocent Gonese vati vachatoudzwa neChipiri nezve vachapinda musarudzo dzacho.
Asi bato reZanu-PFrine mukana wekakurisa wekudoma warinoda kuti vave vatauriri vematare maviri ose sezvo rakakunda zvine mutsindo musarudzo dzapfuura.
Munyori wezvemutemo muZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti vakazeya nyaya iyi asi vakaramba kutaura kuti ndiyanani vachakwikwidza vakamirira bato ravo.
Facebook Forum