Accessibility links

Breaking News

Masangano emuAmerica Anoti Zimbabwe Ichine Rwendo Rwurefu Kuunza Hutongi hweJekerere


VaEmmerson Mngangwa
VaEmmerson Mngangwa

Masangano maviri emuAmerica anoti reInternational Republican Institute, IRI, nereNational Democratic Institute, NDI, ayo akaongorora sarudzo dzemuZimbabwe, aburitsa mashoko kuvatori venhau achiti Zimbabwe haisati yagadzira hwaro hwekuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Nekuda kweizvi, masangano aya anoti remangwana renyaya yehutongo hwejekerere munyika harina kujeka.

Masangano aya anoti nyika dzekunze dzinofanira kuramba dzakaisa maziso adzo paZimbabwe kuitira kuona kuti zvido zvevanhu zvekuita sarudzo dzakachena zvazadzikiswa.

Masangano maviri aya akatuma chimwe chikwata kuZimbabwe pakapera sarudzo change chiri munyika kubva musi wa 4 Gunyana kusvika musi wa 8 Gunyana.

Chikwata ichi chaitungamirwa nevaive mutevedzeri wemunyori wezvemuAfrica mubazi reAmerica rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJohnnie Carson naAmai Constance Newman vaimbovawo mukuru mukuru mubazi iri.

Masangano aya anoti kunyange hazvo sarudzo dzainge dzaitwa murunyararo pane zvimwe zvaiitwa kusaganisira kusava nechivimbo neZimbabwe Electoral Commission, Zec, kupindira musarudzo kwemadzishe, kurerekera divi rimwe chete kwenhepfenyuro nemapepanhau ehurumende, uye kushandisa zvekudya kutsvaga mavhoti nezvimwe.

Nyaya yemauto yekupfura vanhu uye kusungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC Alliance pakapera sarudzo kuri kushorwa zvikuru neIRI neNDI.

Masangano aya anoti zvakawanda zvinoda kugadziriswa kusanganisira kuvandudza Zec, kugadzira hwaro hwekuti madzimai apindewo mune zvematongerwo enyika asingatye.

Matare anonzi ave akasungunukawo achitema asina divi raakarerekera uye mauto asapindira munyaya dzezvematongerwo enyika uye zvehupfumi.

VeNDI neIRI vati vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kubatana kuitira kuti vaumbe nyika yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vanoti Zimbabwe inofanira kuvandudza zvinhu munyaya dzesarudzo zvikuru vari kutungamira sangano reZec.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG