Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana Pane Zvingaitwe neGurukota Idzva, VaMthuli Ncube


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Vanhu vakawanda munyika vanoti vari kuda kuti hurumende ikurumidze kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi uho hwaenda kumawere.

Asi izvi zvinokwanisika here? Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi hadzisi kutenderana kuti Muzvinafundo Mthuli Ncube vanozvikwanisa here kana kuti kwete zvekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vachitaura nevatori venhau kuState House pavaitoreswa mhiko neMuvhuro, Muzvinafundo Ncube vakati vari kuda kuisa mutsipa pabasa kuti vagadzirise hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Vanoti vari kuda kubvisa mari yemabond notes uye kumisa tsika yehurumende yekungoshandisa mari yaisina ichizoguma yokwereta. Vanoti vari kuda kuti vabhadhare zvikwereti nekuumba hukama nemabhanga eInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi pasi rose, Muzvinafundo Steve Hanke, vanodzidzisa paJohns Hopkins University muAmerica, vanoti havaone Muzvinafundo Ncube vachigadzirisa hupfumi hwenyika yeZimbabwe nekuti hwangofanana nemurwere wegomarara asina kana chiremba kana godobori anoziva kuti poitwa sei.

VaHanke vati munhu akatomboyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika chete ndiVaTendai Biti, uye havaone VaNcube vaine mazano ekugadzirisa zvinhu.

Mashoko aya anotsinhirwa nevaimbova gurukota rezvehupfumi vari nhengo yeMDC, VaTendai Biti.

VaBiti vatiwo VaNcube vanogona kuguma vaita chitsoka ndibereke sezvakamboitwa nerimwe gurukota, Doctor Nkosana Moyo, vakaguma vave muhupoteri.

Mashoko aya atsinhirwawo nevaimbova gurukota rezvehupfumi, Doctor Simba Makoni, vanoti vanhu havafanire kungotarisa Muzvinafundo Ncube chete nekuti chara chimwe hachitswanye inda. Vati VaNcube vanobudirira kana hurumende yaita mushandirapwe.

VaMakoni vatiwo dambudziko guru rakatarisana naMuzvinafundo Ncube inyaya yekuti VaMnangagwa vatora ruoko rwaVaMugabe pakushandisa mari yehurumende zvisina mwero.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti VaMnangagwa vakabaya dede nemukanwa nekuendesa VaPatrick Chinamasa pamudyandigere vachivatsiva naVaNcube.

Doctor Mugano vanoti zvinoda kuitwa zvinokwanisika uye Muzvinafundo Ncube vanokwanisa kuzvigadzirisa.

Mashoko aya atsinhirwawo naDoctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vati zviri kutaurwa naVaNcube ndizvo chaizvo zvangosara kuzadzikiswa nezvirevo.

Doctor Chitambara vanoti Zanu-PF haina chaingaite kunze kwekuteerera Muzvinafundo Ncube kana ichida kugadzirisa hupfumi.

Nyanzvi dzose idzi dziri kutenderana kuti bond note rinofanira kubviswa asi hadzitenderana kuti imari ipi inoshandiswa. VaBiti vanoti hazvina kuipa kushandisa mari yekuSouth Africa.

Asi Muzvinafundo Mugano vanoti hazvibatsire kushandisa mari yekuSouth Africa iyi nekuti zvinodhura.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rezvehupfumi risina mukare akamboona kunyange iine nyanzvi dzakaita saVaNcube.

Asi vakawanda vanoti hurombo hweZimbabwe ndehwenherera inopakwa ichirutsa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG