Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vari Kutarisisa Chikumbiro Chekuti Zvizvarwa zveZimbabwe Zvivhote Zviri Kunze kweNyika


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vachayedza napose pavanogona kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvivhote musarudzo dzinotevera.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita neSvondo masikati nezvizvarwa zveZimbabwe kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly muNew York.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vakati musarudzo dzapfuura vaida chose kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvivhote asi zvakakona n’anga murapwa achida sezvo painge paine zvimhingamupinyi zvavati vanofunga kuti zvichagadziriswa mumakore mashanu anotevera.

VaMnangagwa vakatiwo Zimbabwe yakatemerwa zvirango neAmerica, Britain nenyika dzemuEU nekuda kwekuti yainge yatora minda.

Mutungamiri wenyika akavimbisawo kuti hurumende yake itsva icharwisa huwori uye kuwedzera hupfumi hwenyika.

Asi nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango idzi dzinoti izvi zvakaitwa nenyaya yehurumende yekutonga nedemo.

VaMnangagwa vati havo vane chivimbo chekuti hurumende yavo ichasimbaradza hukama hwayo nenyika yeAmerica.

Vakati vakaita misangano nevamwe vedare reCongress neSenate avo vave kunzwisisa kuti hurumende yavo iri kuyedza napose painogona kuunza hutongo hwejekerere.

Vachitaura pakapera musangano uyu, Muzvare Shingi Mangwiro vakati vakafara zvikuru nemafambiro akaita musangano uyu.

Sachigaro weZanu-PF muAmerica, Doctor Frank Guni, vakatiwo vanhu vainge vakasungunuka kutaura zvavanoshuvira.

Vamwe vange vari pamusangano uyu ndiVaDen Moyo vanova sachigaro wedunhu reAmerica muMDC T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe

VaMnangagwa vakapinda musangano uyu vaine gurukota ravo rezvehupfumi Muzvinafundo Mthuli Ncube uye gavhuna weRBZ Dr John Mangudya.

Mutungamiri wenyika ari kutarisirwa kutaura pamberi pedare reUnited Nations kekutanga nemusi weChitatu. Kumucheto wemusangano uyu vari kuita misangano nevamwe vakuru muhurumende yeAmerica uye vatungamiri vedzimwe nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG