Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nekushaikwa kwezvinhu zvakawanda muzvitoto uye kudhura kwazvemwe.
Mutungamiri wesangano reProgress Teachers Union of Zimbabwe Doctor Takavafira Zhou vanoti zvikoro zvikuvhurwa hazvo mangwana asi varairidzi vachinyuta nekushaya mari uye kunonoka kubuda kwegwaro rekutevedzera pakudzidzisa kana kuti syllabus.
Mutumbi waAmbassador Trudy Stevenson avo vakashaya kuSenegal nemusi wa24 Nyamavhuvhu uri kutarisira kusvika munyika nhasi.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa nhasi kupinda mumusangano weForum on Cgina Africa Corporation kana kuti FOCAC kuBeijing. VaMnangagwa vakasvika muChina nezuro.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vainge vachitarisirwa kusimuka nezuro manheru vachienda kuChina kumusangano weForum on China-Africa Cooperation wakanangana nezvekutengeserana.
Asi VaChamisa, avo vakarambawo zvehurumende yemubatanidzwa, vanoti hakuna munhu kubva kuhurumende kana bato reZanu-PF akauya kuzotaura navo zviri pamutemo nenyaya yenhaurirano.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance Vanelson Chamisa vanoti kuti nyika ifambire mberi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kuvandudza zvinhu zvakawanda kuunza hutongo hwejekerere.
VaMashange vange vachinetsana zvikuru naVaTinashe Matangira, vanove mwana wenhengo yedare reparamende inomirira Zanu-PF kuBindura South VaRemigious Matangira.
Vakuru vemabhizimisi munyika vanoti vari kuda kuita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vagadzirise nyaya dzezvehupfumi apo vemamiriro ekunze vari kuyambira kuti Zimbabwe yatarisanazve neimwe nzara zvichikonzerwa nekusanaya zvakakanaka kwemvura.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuzimbisa kugadzirisa zvinhu munyika zvikuru munyaya dzezvehupfumi uye nyaya dzezvematongerwo enyika.
Vamwe vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zvakanyanya kunyangwe vange vachitarisira kuti kupera kwesarudzo nekugadzwa kwemutungamiri wenyika zvaigona kupa kuti hupfumi hugadzikane.
Mhuri yeAmerica iri kuchema gamba, Senator John McCain avo vakashaya nemusi weMugovera mushure mekurwara nechirwere chegomarara.
Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika vagadzwa zviri pamutemo semutungamiri wenyika zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa musi wa30 Chikunguru musarudzo dzinonzi nemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vati vakazvipira kuti vaite nhauririrano nemutungamiri weMDC Alliance ,VaNelson Chamisa.
Mutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vapa mutongo wekuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo yanga ichipikiswa mudare reConstitutional Court nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.
Mangwana ruzhinji rweZimbabwe pamwe nedzimwe nyika rwunenge rwakatarisira kunzwa mutongo uchapihwa nedare reConstitutional Court panyaya yekusatambira zvakabuda musarudzo yakakwidza nebato reMDC Alliance.
Mukuru wematare VaLuke Malaba vabvunza ZEC kuti sei zvairi kuburitsa zvakasiyana siyana. Gweta reZimbabwe Electoral Commission VaTawanda Kanengoni vaudzawo dare reConstitutional Court kuti vari kuburitsa zvakasiyana musarudzo nenyaya yekuti veMDC Alliance yainge ichiti sarudzo dziri kubirirwa.
Gweta reZimbabwe Electoral Commission VaTawanda Kanengoni vaudzawo dare reConstitutional Court kuti zvakabuda musarudzo zvinoratidza kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda musarudzo.
Gweta remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaLewis Uriri vaudza vatongi vedare reConstitutional Court kuti kunyangwe hazvo Zimbabwe Electoral Commission iri kubuditsa zvakasiyana siyana panyaya yezvakabuda musarudzo, VaMnangagwa ndivo vakakuda nekuti vachiri vakadarika mavhoti anosvika zviuru makumi mashanu nerimwe kubva muzana anodiwa kuti munhu akunde musarudzo.
Dare reConstitutional Court riri kuzeya nyaya yakakwidzwa kudare iri nemutungamiri webato reMDC Alliance VaNelson Chamisa.
Rodhai zvimwe