Mutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vapa mutongo wekuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo yanga ichipikiswa mudare reConstitutional Court nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.
Vachitura mutongo wavati wakawiriranwa nevatongi vose vapfumbamwe, VaMalaba vati VaChamisa havana kupa humbowo hwakati tsvikiti hwekuti sarudzo yemutungamiri wenyika yakabirirwa.
VaMalaba vati VaChamisa havana kuunza humbowo hwakakwana vaifanira kukumbira kuti zvakabuda musarudzo zvitariswe zvekare.
VaMalaba, avo vatora maminetsi makumi matanhatu vachiverengwa mutongo wavati ndewechidimbu, vati kuvhurwazve kwemagwaro evavhoti kwaibatsira kuburitsa pachena kuti sarudzo dzainge dzabirirwa here kana kuti kwete.
Mukurasa chikumbiro chaVaChamisa, VaMalaba vati VaChamisa vanofanirwa kubhadhara magwata aVaMnangagwa neeZimbabwe Electoral Commission.
VaMalaba vati dare richapa mutongo waro uzere munguva yavasina kutaura.
Asi dare reConstitutional Court rakatenderana kuti kunyange VaChamisa vakanonoka kuendesa mapepa kune vamwe vavakaendesa kumatare nguva yapera, vakaona zvakakosha kuti vanzwe nyaya iyi sezvo yakakosha.
MDC Alliance yainge rati sarudzo idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro nesangano reZimbabwe Electoral Commission.
Facebook Forum