Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voenda kuChina Mukuyedza Kugadzirisa Hupfumi hweNyika


VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping
VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vainge vachitarisirwa kusimuka manheru eChishanu vachienda kuChina kumusangano weForum on China-Africa Cooperation.

Musangano uyu wakanangana nezvekutengeserana kweChina nenyika dzemuAfrica.

VaMnangagwa vakatarisana nedambudziko guru rekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi munyika.

Zviri kubuda kubva kubazi reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats zviri kuratidza kuti zviri kutengwa neZimbabwe kunze kwenyika zvakawedzera nezvikamu makumi matatu nezvitanhatu kubva muzana.

Mari yezviri kutengwa kunze kusanganisa mafuta ekufambisa dzimotokari nemagetsi nezvimwe zvirimwa yasvika pabhiriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu emadhora zvichienzaniswa negore rapera mukati memwedzi minomwe pasingaverengwe Ndira nemwedzi wapera sezvo michina yeZimra inonzi yaisashanda zvakanaka.

Asi mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti Zimbabwe yakakwanisawo kuti wedzerei zvayakatengesa kunze uye ine zvakawanda zvainokwanisa kudzidza kubva kuChina.

Vati China yaimbotatarika seZimbabwe isati yatanga kugadzirisa zvinhu kuburikidza nekuvandudza makambani ayo ichitora mienzaniso kubva kune dzimwe nyika.

Hurukuro naVaSifelani Jabangwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG