Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa nhasi kupinda mumusangano weForum on China Africa Corporation kana kuti FOCAC kuBeijing. VaMnangagwa vakasvika muChina nezuro.
Mutungamiri wenyika yeChina VaXi Jingping vari kutarisirwa kuudza gungano iri nhasi kuti China iri kuda kupa Africa zvikwereti nemari yerubatsiro yakawanda.
Pakapedzisirwa kuitwa musangano wakadai muna 2015, China yakati yaida kubatsira Africa nemari inosvika mabhiriyoni makumi matanhatu.
Asi ikozvino mari iri kuenda kuAfrica yange yati dzikirei kubva pamabhiriyoni matatu nezviuru mazana mana kana US$3, 4 billion muna 2013 kusvika pamabhiriyoni matatu nechiuru zana chete kana kuti US$3,1 billion gore rapera.
Nyaya iri kuita kuti mari iyi iderere inonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika ndeyekutadza kubhadhara zvikwereti kwedzimwe nyika uye huori.
China ine mabasa akati wandei airi kuita muZimbabwe kunyangwe vamwe vari kuti Zimbabwe haina zvakawanda zvairi kuwana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dzemuAfrica dzakaita seEthiopia.
China pari zvino iri kutarisirwa kusimudzira nhandare yendege yeVictoria Falls negwenya remagetsi reKariba South. VaMnangagwa vari kutarisirawo kuita musangano nemutungamiri wenyika yeChina VaXi Jingping kana musangano weFOCAC wapera.
Nhengo yeZanu-PF yakasarudzwa kumirira Makonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanoti Zimbabwe ine zvakawanda zvairi kuwana kubva kuChina zvikuru munyaya dzezvivakwa.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti Zimbabwe haina chinobatika chainowana nenyaya yehuori nekutadza kubhadhara zvikwereti.
Facebook Forum