Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisana neMutoro weKugadzirisa Hupfumi neKubatanidza Nyika


VaLuke Malaba vachikorokotedza VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kusimbisa kugadzirisa zvinhu munyika zvikuru munyaya dzezvehupfumi uye nyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi vakuru vanoti muromo hauzarirwe nerwizi zvichaonekwa nemaitito kuti ava ndivo vagone vebasa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Godfrey Kanyenze vanoti pakudoma dare remakurukota ndipo pachaonekwa kuti VaMnangagwa havasi kungo reva nepasipo.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaMaxwell Saungweme.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaCallisto Jokonya vanoti semaonero avo dare remakurukota rinofanira kuve nevanhu vashoma.

VaJokonya vanotiwo Zimbabwe kuti ifambire mberi inofanira kuita tsika yekukwereta mari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi izvi zvinokwanisika here? VaJokonya vanoti vanoona VaMnangagwa vaine chido chekugadzira matambudziko akatarisana nenyika.

VaSaungweme nekune rimwe divi vanoti vanotenda Vaona saThomas. Doctor Kanyenze vane muono wakadaiwo.

Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Gutu vanoti kuti zvinhu zvifambe panoda kuitwa mushandirapamwe.

Asi vati kuti izvi zviitike panoda kuzvipira kubvawo kuhurumende. Imwe nyaya iri kutemesa hurumende musoro inyaya yezvirango. VaJokonya vanoti zvichakanganisa hupfumi.

Asi vamwe vanoti hurumende yakazvisikira moto muziso nenyaya yemauto yekupfuura vanhu mudhorobha mukutanga kwemedzi. VaMnangagwa vanoti vari kuferefeta nyaya iyi.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti totenda maruva tadya chakata.

VaMavhinga vatiwo zvakakosha kuti mimwe mitemo inotsikirira kodzero dzevanhu ivandudzwe. Vanopa muenzaniso mitemo yakaita seAIPPA nePOSA.

Imwe nyaya yanetsa inyaya yehuori. Father Fredirck Chiromba ve Anti-Corruption Trust of Southern Africa vanoti VaMnangagwa vakataura mashoko akanaka, asi panoda kuzadziswa chirevo. VaChiromba vanoti vanoita zvehuwori vanofanira kusungwa.

Zimbabwe yave nemakore akawanda ichitsika matama enzira munyaya dzezvehupfumi vamwe vachiti inyaya yekutonga nedemo, vamwe vachiti zvirango. Kuti rwendo rwuno pane chinobuda? Aiwa regai vanaSorojena varere muhapwa dzemapako vati, zviuya zviri mberi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG