Gweta reZimbabwe Electoral Commission, Zec, VaTawanda Kanengoni, vaudzawo dare reConstitutional Court kuti zvakabuda musarudzo zvinoratidza kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda musarudzo.
VaKanengoni varamba kuti Zec yakabirira mukuverengwa kwemavhoti vachiti veMDC Alliance havana kupa humbowo hwakakwana kuti sarudzo dzainge dzabirirwa.
Varambawo nyaya yekuti pane dzimwe nzvimbo dzekuvhotera dzakaverengwa kaviri kuti dziwedzere mavhoti aVaMnangagwa.
Vatendawo kuti painge paine zvimwe zvakakanganiswa mukuverengwa kwemavhoti asi vakati hazvichinje nyaya yekuti VaMnangagwa vakakunda.
Panyaya yekuti Zec yakarambidza vamwe kuvhota vakaita sevarairidzi, vati hapana humbowo hwekuti pane vashandi vehurumende varairidzi nevamwe vashandi vehurumende zviuru makumi mana zvisina kuvhota.
Vatiwo havazivi kuti veMDC Alliance vakawanepi huwandu hwevanhu vanosvika zviuru mazana manomwe vanonzi havasi kuzivikanwa kuti vakabva kupi. VaKanengoni vanoti vanhu vakawanda vakavhota pane vainge vachinzi vakavhota neMDC Alliance.
Panyaya yekuti pane vanhu vakawanda vakavhota pane dzimwe nzvimbo dzekuvhotera, VaKanengoni vanoti hapanawo humbowo hwacho.
Facebook Forum