Accessibility links

Breaking News

Kusagadzikana kweZvinhu Mune Zvematongerwo eNyika Kwokonzera Kukwira kweMitengo


Zvinonzi zvanyanya kukwira mitengo ndezvekudya nesipo yekuwachisa.
Zvinonzi zvanyanya kukwira mitengo ndezvekudya nesipo yekuwachisa.

Vamwe vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zvakanyanya kunyangwe vange vachitarisira kuti kupera kwesarudzo nekugadzwa kwemutungamiri wenyika zvaigona kupa kuti hupfumi hugadzikane.

Zvimwe zvezvinhu zvawedzera mitengo zvinonzi zvinosanganisa mafuta ekubikisa, ayo anonzi akwira kubva pamadhora mana kusvika pamadhora mana nemasendi makumi mashanu, shuga, iyo yakwirawo nemasendi gumi kusvika pamadhora maviri nemakumi mashanu, uye sipo yekuwachisa, iyo inonzi yakwira nedhora rimwe chete kubva pamadhora matanhatu nemakumi mashanu kusvika pamadhora manomwe nemakumi mashanu.

Ukuwo mari yekutenga madhora ekuAmerica pachishandiswa mari iri mumabhanga uye iri muEco-Cash neOne Wallet inonzi iri kuramba ichiwedzerawo zvakanyanya.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasimbisa nezuro kuti vachasimbisa nyaya yekuyedza kugadzirisa nyaya yezvehupfumi mumakore mashanu anotevera.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Godfrey Kanyenze, avo vanotungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika ndiko kwapa kuti hupfumi hurambe huri kumawere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG