Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votora Mhiko Asi VaChamisa Vachigunun'una


Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weSvondo vakagadzwa zviri pamutemo semutungamiri wenyika zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa musi wa30 Chikunguru musarudzo dzinonzi nemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro.

VaMnangagwa vakatora mhiko yekutungamirira nyika pamberi pemukuru wevatongi Chief Justice Luke Malaba pachiitiko chaitirwa munhandare yeNational Sports Stadium muHarare.

Vachiturawo mushure mekugadzwa kwavakaitwa, VaMnangagwa vakatenda veruzhinji nekuvavhotera musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru vakati zvesarudzo zvakapfuura yave nguva yekushanda zvakasimba kusimudzira hupfumi hwenyika, kuwanisa veruzhinji mabasa, kudyidzana nedzimwe nyika pamwe nekuedza kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari mumabhanga.

Vakaenderera mberi vachiti hurumende yavo ichashanda zvakasimba kuedza kurwisana nehuori mukati memakore mashanu ari kutevera vachiti vese vachawanikwa vachiita zvehuori vachasungwa.

VaMnangagwa vakati vatambirawo tsamba yabva kune vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekuvakorokotedza pakugadzwa kwavo iyo yakanzi yakauya nemwanasikana waVaMugabe, Amai Bona Chikoore.

Mutsamba iyi, iyo yakaverengwa naVaMnangagwa, VaMugabe vakati vakakundikana kuvepo sezvo mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vari kuSingapore kwavari kurapwa.

Zvichitevera kuramba kuri kuita mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kukunda kwakaita VaMnangwagwa, munyori anoona nezvemitemo mubato reZanu PF, VaPaul Mangwana vakati havasi kushushikana nekusauya kwaVaChamisa nebato ravo pakugadzwa kwakaitwa VaMnangagwa.

VaMangwana vatiwo kunyange hazvo MDC Alliance yakakwidza nyaya yekusatambira zvakabuda musarudzo kukomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu musangano reAfrican Union yeAfrican Commission on People’s Rights, hapana chichachinja vachiti Zimbabwe inyika yakazvimirira ine mitemo yayo inofanira kutevedzwa.

VaMnangagwa vakavimbisawo kuti vachaumba komisheni ichaongorora nyaya yekupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu nevanofungidzirwa kuti mauto. Vamwe vevanhu ava vairatidzira asi vamwe vakangobatanidzirwa.

Gurukota rinoona nezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi vakatiwo zvaida kuitwa naVaChamisa zvekukonzeresa kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission ivhure dura remashoko ezvakashandiswa musarudzo kana kuti server zvaive kunze kwemutemo nokudaro vakati VaChamisa vanofanira kutambira kukundwa kwavakaitwa naVaMnangagwa.

VaChamisa vakaudza vatori venhau neMugovera kuti vane humbo hwekuti vakabirirwa musarudzo uye vanoti ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia
VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia

Pakugadzwa kwaVaMnangagwa pakanga paine vatungamiri vedzimwe nyika vanosanganisira VaPaul Kagame vekuRwanda vanove zvakare mutungamiri wesangano reAfrican Union, mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa, mutungamiri weDRC VaJoseph Kabila, mutungamiri weZambia, VaEdgar Lungu, mutungamiri wehurumende yeLesotho, VaThomas Thabane, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, nevamwe vamiriri vedzimwe nyika dzekumavirira.

VaEdgar Lungu, VaCyril Ramaphosa, VaPaul Kagame uyemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo.
VaEdgar Lungu, VaCyril Ramaphosa, VaPaul Kagame uyemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo.

Vaimbove mutungamiri weBotswana, VaIan Khama havana kuuya painge pachigadzwa VaMnangagwa kunyange hazvo vakange vakakokwa.

Kunyange hazvo VaChamisa vasina kuuya pakugadzwa kwaVaMnangagwa, mutungamiri werimwe boka reMDCT, Muzvare Thokozani Khupe nehutungamiri hwebato ravo vanga varipowo pachiitiko ichi.

Mumwe anga aripowo ndiVaJames Maridadi avo vaiva nhengo yeMDCT yaVaChamisa yaimirira Mabvuku muparamende sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzisati dzaitwa.

Kugadzwa kwaitwa VaMnangagwa semutungamiri wenyika kunoreva kuti ndivo vave mutungamiri wenyika wechipiri akasarudzwa munhoroondo yenyika kubva kuna VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG