Accessibility links

Breaking News

Gweta raVaMnangagwa Rinoti Kunyagwe ZEC Irikupa Zvakasiyana paMavhoti Sarudzo Yakakundwa naVaMnangagwa


magweta achipinda mudare mangwanani
magweta achipinda mudare mangwanani

Gweta remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaLewis Uriri vaudza vatongi vedare reConstitutional Court kuti kunyangwe hazvo Zimbabwe Electoral Commission iri kubuditsa zvakasiyana siyana panyaya yezvakabuda musarudzo, VaMnangagwa ndivo vakakuda nekuti vachiri vakadarika mavhoti anosvika zviuru makumi mashanu nerimwe kubva muzana anodiwa kuti munhu akunde musarudzo.

Sachigaro weZEC aburitsa zvitatu zvakasiyana pane zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika zviri kunzi nemagweta eMDC Alliance kukanganiswa kwezvakabuda kwainge kwakanangana nekuda kubirira sarudzo kuti VaMnangagwa vakunde musarudzo.

VaUriri vati semuenzaniso, pakamboita makakatanwa akada kudai kuAmerica pakati paVaGeorge Bush vemaRepublicans naval Gore vemaDemocrats, vatongi havana kudzokorora sarudzo asi vakatonga kuti VaBush ndivo vainge vakunda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG