Dare reConstitutional Court riri kutarisirwa kutanga kuzeya neChitatu nyaya yakakwidza kudare nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa. Asi patotanga mutauro wakanyanya pakati peZanu-PF neMDC Allaince nyaya iyi isati yatombonzwikwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakabatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC pamusangano wepagore wegungano iri kuWindhoek, Namibia.
Bato rinopikisa reMDC Alliance rinoti nhengo dzaro dziri kuramba dzichioneswa ndondo nemapurisa uye vamwe vanhu vasiri kuzivikanwa vanofungidzirwa kuti vari muchiuto kubazi reMilitary Intelligence.
Dare repamusoro soro reConstitutional Court nemusi weChitatu svondo rinouya riri kutarisirwa kutanga kunzwa nyaya yakaturwa kudare iri nemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa yekuramba kutambira zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzemwedzi wapera.
Nzira dzakawanda mumaguta ose emunyika dzazara mauto, vasori, mapurisa uye matikitivha akapakatira zvombo pamaroad blocks izvo zvopa kuti nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziti zviri kuratidza kuti zvinhu hazvina kugadzikana.
Masangano ari kuongorora sarudzo munyika ari kupa pfungwa dzakasiyana pamafambiro akaita sarudzo dzakaitwa nemusi weMuvhuro.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vati vaendesa mazita evanhu vaviri kumapurisa avo vasina kuvadoma nemazita.
Nemusi weChitatu matare eparamende emu America akatambira kuvandudzwa kwemutemo unobata Zimbabwe senzira yekuidzira kuti iite sarudzo dzakachena, uye kuita hutongi hwejekerere.
Apo nyika yatarisana nesarudzo nemusi weMuvhuro, mapato ezvematongerwo enyika haana kuwirirana nekubatwa kuri kuitwa sarudzo dzacho kunyangwe vari kuti havo rwendo rwuno munyika mune runyararo.
Vari kukwikwidza musarudzo kuMagunje vakazvimirira mushure mekudzingwa muZanu-PF Doctor Godfrey Gandawa vanoti vambohwanda mushure mekunge vanofungidzirwa kuti mapurisa aenda kumba kwavo runyanhiriri nemusi weChina vachida kuvasunga kana kuvaita kafiramberi.
Kunyangwe hazvo sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC riri kuti ragadzirira zvose zvinodiwa kuti zviitwe musarudzo uye richiti rinotarisira kuti dzinenge dzakachena, sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network rinoti vanhu vakawanda munyika havachina chivimbo nesangano reZEC.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vange vari kuKwekwe oko vange vachivhura zviri pamutemo chimwe chikamu chikuru chemvuto yekoromo kana kuti chrome plant chekambani yeAfrican Chrome Fields.
Apo nyika yatarisana nesarudzo nemusi weMuvhuro, zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvaramba zvakaita manyama amire nerongo.
Sangano reZimbabwe Electoral Commission nemusi weChipiri rakazodududza pahurongwa hwaro hwekuti vanhu pavanenge vachivhota vange vachionekwa nevanenge vachivhotesa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakaparura hurongwa hwekuvandudzwa kwenhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airpo muHarare.
Vaongorori vesarudzo kubva munyika dzakawanda pasi rose vari munyika kana kuti murwendo rwekuenda sezvo sarudzo idzi dzakatariswa nepasi rose.
Gurukota rinoona nezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende iri kuronga musangano pakati payo nevashandi vayo kusanganisawo varairidzi kuyedza kugadzirisa zvichemo zvavo.
Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo yepamusoro, Dr Godfrey Gandawa, vanoti vari kutyisidzirwa kubva zvavakapika kuti havasi kuzofa vakavhotera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Sangano reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, pamwe nereVeritas iro rinoona nezvemitemo anoti magadzirirwo akaitwa gwaro revavhoti resarudzo dzemutungamiri wenyika anogona kunge asina kuitwa zviri pamutemo nesangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano nevarairidzi uye vemabhizimisi paCelebration Centre muHarare. Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vati zvakakosha zvikuru kuti hurumende ikoshe nyaya yekuvaka zvikoro mukusimudzira mabasa edzidzo munyika.
Rodhai zvimwe